azlyrics.biz
a b c d e f g h i j k l m n o p q r s t u v w x y z 0 1 2 3 4 5 6 7 8 9 #

alick macheso - kutsvaga chiremba lyrics

Loading...

[verse 1: al!ck macheso]
ndizvo saka kune vana chiremba nezvipatara
mabasa avo akanakira vanhu tose naivo
pagova nehukorwa hwahwa ukahunwa unodhakwa
kuroora kwakanaka varume asi tisazoshusha
pinda munzira panekuva swera kuenda mukwambo wezuva

[chorus: al!ck macheso]
kutsvaga chiremba ndokuti urapwe (unopona chete)
kutsvaga chiremba ndokuti urapwe (unopona nemuzita rashe)
kunwa hwahwa ndokuti udhakwe (vamwe tinonwira hwunovaraidza pfungwa)
kutsvaga chiremba ndokuti urapwe (vamwe tinonwira hunodzima stress)
kupfimba musikana ndokuti uroore (ugonzi wakura)
kupfimba musikana ndokuti uroore (ugonzi baba)
kutsvaga nzira ndokuti ufambe (upinde musango)
kutsvaga nzira ndokuti ufambe (haushayiwe kunhonganhonga chete)

[verse 2: al!ck macheso]
tinoshanda mabasa kushandira iyoyi raramo
kuvaka kwakanaka kune chidzidzo kuvana vedu
unoda kutanga washanda kuti unzi hoyo pavanhu
zvakapinda kunaka kuva nezvipfuyo, kuitira iwo aya matambudziko ehusavi
mutsauko uripo nokuti hauna kutenga asi watora chiri mudanga mako

[chorus: al!ck macheso]
kutsvaga basa kuti unziwo, (hona ane zvinhu zvake)
kutsvaga basa kuti unziwoo, (kubirikidza nek+mhanyamhanya)
vaka imba kuti zvinzi pamba, (uchivhura nekuzarira gonhi)
vaka imba kuti zvinzi pamba, (ndiko kuti unzi musha)
kurova mucheno kuti zvinzi vakachena, (hona vakachena blazo)
kurova mucheno kuti akachena, (akachena mwanakadzi)
pfuya zvipfuyo kuti usanetswe (unopedza husavi)
pfuya zvipfuyo kuti usanetswe (nehusavi)
[pre+chorus: al!ck macheso]
ndizvo saka kune vana chiremba nezvipatara
mabasa avo akanakira vanhu tose naivo
pagova nehukorwa hwahwa ukahunwa unodhakwa
kuroora kwakanaka varume asi tisazoshusha
zvakapinda kunaka kuva nezvipfuyo, kuitira iwo aya matambudziko ehusavi
mutsauko uripo nokuti hauna kutenga asi watora chiri mudanga mako

[chorus: al!ck macheso]
kutsvaga chiremba ndokuti urapwe (unopona chete)
kutsvaga chiremba ndokuti urapwe (unopona nemuzita rashe)
kunwa hwahwa ndokuti udhakwe (vamwe tinonwira hwunovaraidza pfungwa)
kutsvaga chiremba ndokuti urapwe (vamwe tinonwira hunodzima stress)
kupfimba musikana ndokuti uroore (ugonzi wakura)
kupfimba musikana ndokuti uroore (ugonzi baba)
kutsvaga nzira ndokuti ufambe (upinde musango)
kutsvaga nzira ndokuti ufambe (haushayiwe kunhonganhonga chete)

[verse 3: al!ck macheso]
tinoshanda mabasa kushandira iyoyi raramo
kuvaka kwakanaka kune chidzidzo kuvana vedu
unoda kutanga washanda kuti unzi hoyo pavanhu
kuroora kwakanaka varume asi tisazoshusha
zvakapinda kunaka kuva nezvipfuyo, kuitira iwo aya matambudziko ehusavi

[chorus: al!ck macheso]
kutsvaga basa kuti unziwo, (hona ane zvinhu zvake)
kutsvaga basa kuti unziwoo, (kubirikidza nek+mhanyamhanya)
vaka imba kuti zvinzi pamba, (uchivhura nekuzarira gonhi)
vaka imba kuti zvinzi pamba, (ndiko kuti unzi musha)
kurova mucheno kuti zvinzi vakachena, (hona vakachena blazo)
kurova mucheno kuti akachena, (akachena mwanakadzi)
pfuya zvipfuyo kuti usanetswe (unopedza husavi)
pfuya zvipfuyo kuti usanetswe (nehusavi)
[verse 4: al!ck macheso]
mumagariro edu vadi vangu wee mune zviitiko, zvinoda vakiridzo, kunzi zvinzi zvinhu kwazvo
zvinongoda simbaradzo kunzi zvigonzi zvido zvenyu kunyanya ngazvikudzweee varidzi vemafarooo
zvakanaka zvakadaro, vapupuri pupurai, nekuti ndezvashee, zvinoda kutendwa
rudo rwenyu rwemhando pamusoro+soro
parutanhutanhi pazanda rerimi, nekudaro munotendwa nekusingaperi

[verse 5: al!ck macheso]
iyoyika borrowdale, (tisu takatanga nayo)
heyo borrowdale, (tisu takatanga nayo isu)
hecho chikopokopo, (tisu takatanga nacho)
kopokopokopo, (tisu takatanga nacho isu)
ndokuuya razorwire, (tisu takatanga nayo)
cheka cheka checheche, (tisu takatanga nayo isu)
ndokuuya heyo slomo, (tisu takatanga nayo)
slomo heyo slomo, (tisu takatanga nayo isu)
ikozvino zorai b+tter, (tisu takatanga nayo)
seri neseri zorawoo, (tisu takatanga nayo isu)
ichangopera kochekera

[outro: al!ck macheso]
kochekera, koche
clipper clipper
hooker

Random Lyrics

HOT LYRICS

Loading...