jah prayzah - nherera lyrics
yochemera mukati nherera
chabaya moyo chagudukira
murwendo rwayo inenhorowondo
zvakawanda yakaviga mdundundu
yozvibonderesa pasi nherera
chabaya moyo chagudukira
murwendo rwayo inenhorowondo
zvakawanda yakaviga mdundundu
pfuma yenhaka vakagoverana
ndiko kwakava kurova kwehama
hakuna akazoti kwaziwayi
munotamba here makadi
babamunini nyakusara pavana
taiti vachazotinyaradza
hakuna akazoti kwaziwayi
munotamba here makadi
pfuma yenhaka vakagovana madiro
pfuma yababa vanga vongoita madiro
pfuma yenhaka vakagovana madiro
pfuma yababa vanga vongoita madiro
misodzi yangu haichina chirevo
ndiro tsime rekufara kwavo
mhere yangu haichina anonzwa
vanongoti ndoyema
misodzi yangu haichina chirevo
ndiro tsime rekufara kwavo
mhere yangu haichina anonzwa
vanongoti ndoyema
ndogogodza vozarura vopopota
ndok+mbira pashomapo vokwindimara
voguta zvasara vorasa nemarara
ndonhongerera, ndonhonga
babamunini nyakusara pavana
taiti vachazotinyaradza
hakuna akazoti kwaziwayi
munotamba here makadii
pfuma yenhaka vakagovana madiro
pfuma yababa vanga vongoita madiro
pfuma yenhaka vakagovana madiro
pfuma yababa vanga vongoita madiro
babamunini inga mandigumbura
inga mandigona (vakagovana madiro)
madiro
madiro
madiro (vanga vongoita madiro)
babamunini inga mandigumbura
aiwa mandigona (vakagovana madiro)
madiro
madiro
madiro (vanga vongoita madiro)
Random Lyrics
- quevedo - noria lyrics
- alex tiê - em cantos da ilha lyrics
- ookay, elohim & flux pavilion - be ok lyrics
- juls - agoro lyrics
- seiho - ill lyrics
- take a mic - c'est le zoo lyrics
- the outfield - to be with you lyrics
- il divo & smokey robinson - the tracks of my tears lyrics
- kiera lyons - aflame lyrics
- polpot - jihad lyrics