jah prayzah – chimwe nechimwe lyrics
gore riye rakauya nenhamo
chimwe nechimwe chinenguva yacho
tichabira rwizi, mai mwana
chigomera uripo mangwana zvinonaka
duro riye uchariona razara, tichakanda mhodzi mai mwana
nzara mumba mangu ndikafunga kachana
chimwe nechimwe chinenguva yacho
tichabira rwizi, mai mwana
chigomera uripo mangwana zvinonaka
duro riye uchariona razara, tichakanda mhodzi mai mwana
tseketsa yakasara, takaikangira mudhumeni
chikwere chikasara nhoko
kana pfuma yenhaka, yakaperera mukuripa
ngozi yakasiwa nababa
ndaiti tichabereka mwana
anosara achitevera gwara
mimba ikaramba kubata
ndaiti tichabereka mwana
anosara achitevera gwara
mimba ikaramba kubata
gore rakauya nenhamo
chimwe nechimwe chinenguva yacho
tichabira rwizi, mai mwana
chigomera uripo mangwana zvinonaka
duro riye uchariona razara, tichakanda mhodzi mai mwana
nzara mumba mangu ndikafunga kachana
chimwe nechimwe chinenguva yacho
tichabira rwizi, mai mwana
chigomera uripo mangwana zvinonaka
duro riye uchariona razara, tichakanda mhodzi mai mwana
hama dzikauraya mombe
kutomhanya nebakatwa
kundoita muchekadzafa
hama dzikauraya mombe
kutomhanya nebakatwa
kundoita muchekadzafa
shunga dzirege dziputike
buritsa misodzi zvireruke
kawira pasi usimuke
shunga dzirege dzigutike
buritsa misodzi zvireruke
kawira pasi usimuke
gore rakauya nenhamo
chimwe nechimwe chinenguva yacho
tichabira rwizi, mai mwana
chigomera uripo mangwana zvinonaka
duro riye uchariona razara, tichakanda mhodzi mai mwana
nzara mumba mangu ndikafunga kachana
chimwe nechimwe chinenguva yacho
tichabira rwizi, mai mwana
chigomera uripo mangwana zvinonaka
duro riye uchariona razara, tichakanda mhodzi mai mwana
ndaiti tichabereka mwana
anosara achitevera gwara
mimba ikaramba kubata
ndaiti tichabereka mwana
anosara achitevera gwara
mimba ikaramba kubata
Random Lyrics
- ariana grande – confused (do it better) lyrics
- lllandstm – leaf water vocal (unreleased leak) lyrics
- phil fresh – honey lyrics
- evrglo lyrics lyrics
- caslean – adulterated moonlight lyrics
- yolda projesi – sokak kedisi lyrics
- 6tag6 – intro lyrics
- new production goes to munich – tippen ein lyrics
- balmain’y – 2021 lyrics
- speeder razor – to the future 2 lyrics