azlyrics.biz
a b c d e f g h i j k l m n o p q r s t u v w x y z 0 1 2 3 4 5 6 7 8 9 #

jungle loco – chido chemoyo lyrics

Loading...

verse 1:
nekuti ndiwe zvose
chinangwa changu kubvisa dzinotsika dzose, kusvika tive tose
ruva pazere minzwa, mudiwa zvizere chinzwa, kubva kwandiri
ndichigadzirira kubva kwandiri
richingobuda neni ndichadaro, kutiza nyota yegota
zvichingo zadzikiswa izvo ndairota
ndiwe wanda sarudza,zvazuro ngazvirove
handisisisna miseve yekukanda pandove
dai waro wabvuma svitsa tsvene, inosvitsa vene kunguva misoro ichene
zvekusiya denga pamhene
nekuti rwedu urwu rwuchatora makore
kusvika musi uyo warichazoti rititore
chinangwa kuva newe, mhangwa yenguva newe
chidokwa+dokwa chekuva nechemoyo chido kwadoka
apo nyaya dzichitsva
poto dzingatevedzera, kwandiri sandi zvitsva
nhamo yejaya kushaya anokangira, kukasikira kupambira yavira parinovira paya
nekuti w+ngu muswere kutsanya nehanya
ringava dimikira asi ndodzimikira vimbiso yekuriritira

hook:
chido chemoyo mwanasikana ndiwe zvese
chinangwa change ndechekuti tive tese
gara nepapa unzwe zviri muhana
ndichakuda kusvika ndave guva mwanasikana
chido chemoyo mwanasikana ndiwe zvose
chinangwa change ndechekuti tive tose
gara nepapa unzwe zviri muhana
ndichakuda kusvika ndave guva mwanasikana
verse 2:
vakaedza kukubvuta, handina kuvapa befu
ipapo handidzori moyo handina moyo murefu
musha mukadzi pakushongedza handina remuromo
chik+mbiro tivake wedu panhongonya yegomo
k+mafura mhepo evachapfuura nepo
kusvika tsumo yechisingaperi ichinoshura manyepo
nekuti rwedu rwuchavepo, kusvika nariinhi
ndandi ndichikwenya kufadza yangu mhenya
ndaiti kupenya kwechiso nemwedzi hakungafanani
ko ndizvo ako maziso mufananidzo wenyeredzi
inyere dzinorova hana, ichirova, dzinyerere
dzindinyerekedze nguva ichifamba asi mira…
ndimbosimira, mhodzi yemoyo w+ngu pauri
pauri w+ngu moyo muti uyu, ndomutiyi uyu?
mu wuyu pakufara, musekesa munzara
mutondo pahondo ndoo kotondovanda ndondo
dzamisa pfungwa uzive chadzikamisa gungwa
musungwa wenyota yerudo ndazogungwa
dzamisa pfungwa uzive chadzikamisa gungwa
musungwa wenyota yerudo ndazogungwa, hande..

hook:
chido chemoyo mwanasikana ndiwe zvese
chinangwa change ndechekuti tive tese
gara nepapa unzwe zviri muhana
ndichakuda kusvika ndave guva mwanasikana
chido chemoyo mwanasikana ndiwe zvose
chinangwa change ndechekuti tive tose
gara nepapa unzwe zviri muhana
ndichakuda kusvika ndave guva mwanasikana
bridge : d+varren
ndichakupa twese mwanasikana, twaunoda nerudo rwakadzama
handife ndakurasa iwe, vegodo havana basa iwe
usateerere makuhwa wazvinzwa
hari yerudo rwedu ingabvinza
havadi kutiona tichifara ava
vanoda kuona rudo rwedu rwuchiparara

hook:
chido chemoyo mwanasikana ndiwe zvese
chinangwa change ndechekuti tive tese
gara nepapa unzwe zviri muhana
ndichakuda kusvika ndave guva mwanasikana
chido chemoyo mwanasikana ndiwe zvose
chinangwa change ndechekuti tive tose
gara nepapa unzwe zviri muhana
ndichakuda kusvika ndave guva mwanasikana



Random Lyrics

HOT LYRICS

Loading...